Mashoko Anoshoropodza Akaderedza Matanho Ekurwisa Denda Recovid-19 Munyika

 

NaKuda Pembere

ZVICHITEVERA kunyuka kwedenda reCOVID-19  muZimbabwe,  muna2020  veruzhinji vakabatwa nekutya kwakanyaya izvo zvakakonzera kuti pave nerusarura kuvarwere pamwe nevapepi vevarwere mudzimba pamwe nemuzvipatara asi nekuda kwekukushwa kwemashoko edzidziso  nyaya dzerusarura dziri kuramba dzichiderera.

Kutya uku kwakabata vechidiki nevanhu vakuru kunyangwe vanamuzvinafundo nemadhokotera vakanga vobatira hana mumaoko panguva iyo vaiita mabasa avo sezvo denda iri richiuraya nekukasika nokudaro izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda muZimbabwe vawanikwe vachiteerera dzidzidziso yavaiwaniswa pamaredhiyo, terevhizhoni, mapepanhau nekuvabatsiri vevarwere mudzimba (Community Health Workers) izvo zvakaita kuti ndufu dzevanhu munyika dziite shoma pane dzaifungidzirwa kuti dzichaitika munyika dzisina zvikwanisiro dzakadai semuAfrica.

“Denda reCOVID-19 rakandityisa zvikuru. Mamiriro eCOVID-19 aibuda pangave paredhiyo kana paterevhizhoni  apo paitaurwa nezvendufu dzevanhu  vakawanda avo vaifa nekuda kwechirwere COVID-19 aindityisa zvikuru,” anodaro Shantelle (18).

Robert  Shumba (37)  wemuHarare anoti aiwana mashoko eCOVID-19 pamasai-sai e(Social Media) mamwe pamusoro penhomba dzeCOVID-19 izvo zvakasakisa kuti arambe kubaiwa.

“Unoziva pane nguva yaibuda pamanharembozha  kuti munhu akabaiwa nhomba anofa makore maviri anotevera. Izvi zvakandityisa uyezve ndaitemba nedziviriro yemumuviri mangu semunhu anomhanya kuseni  achiita mitambo inosimbisa muviri. Chimwewo chakarwadza  panguva yeCOVID-19 ndechekurambidzwa kuenda kumabhawa uye kusangana nehama kudzinhamo. Sevanhu vatema izvi hatina kumbobvira tazviona zvichiitika saka zvainge zvakaoma,” anodaro.

Anoti mugore ra2020 akambobatwa neCOVID-19 akazopona neZumbani yaaisanganisa nemaremani. Nguva iyi maremani akashandiswa zvikuru zvekuti ainge avakudhura kusvika pakuti padhora rimwe-chete asi nekutya vanhu vaingotenga zvakadaro sezvo vaizvipira kuita chese chavaifunga kuti chinoita kuti vapukunyuke kubva kudenda iri.

“Ini gore rakatanga COVID-19 asi muri munaZvita, ndakabatwa nechirwere cheCOVID-19 apa ndaishanda semurindi wemudhuri (security guard), ndinofunga ndakabatira chirwere ikoko. Nguva yeCOVID-19 yakandirwadza nekuti kufema kwainetsa uye ndichidikitira zvisingaite. Shungu dzekudya dzakapera dzamara mudzimai  wangu  anzwa kumaraini kuti zumbani rinoshanda. Saka ndakasanganisa Zumbani pamwechete nemaremani ndichimwa. Ndakambonatira mvura yainge ine vhikisi.  Ndakaita izvozvo kwemazuva akawanda asi ndakazopora. Semunhu akamborwara nacho ndikakunda handina kuzoita shungu dzekubaiwa nghomba yekudzivirira Covid-19,”  anodaro.

Sangano reWorld Health Organization (WHO) pamwe chete nehurumende vaive mubishi kupedza zvaibuda kunyanya pasocial media, zvenhema pamusoro peCOVID-19.

Dr Agnes Mahomva – avo vaimbova Chief Co-ordinator weCOVID-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet vakati vaive mushishi rekutsanangura kunyika nenyaya yekukosha kwenhomba dzekudzivirira COVID-19.  Vamwewo ndivo vaiti Mishonga iyi yainge  yakaipa uye achinzi yaiuraya vanhu mukati memakore maviri ekubaiwa.

“Tinoda kuudza vanhu veZimbabwe, vatungamiriri vemakereke nevamwe vose kuti Hurumende irikushanda nesimba kuona kuti vanhu varapwa uye kupihwa zvinodzivirira COVID-19. Hurumende haingaronge kupa zvinga kuvadza vanhu vayo. Naizvozvo, seHurumende, ticharamba tichifambisa mashoko ane chekuita neCOVID-19 kungave  zviri maringe nekurapiwa  kwevarwere muzvipatara pamwe-chete nekubaiwa kwenhomba dzeCOVID-19. Tichapawo mashoko echokwadi pamusoro peCOVID-19,” vanodaro.

VaGivemore Kanda anova nhengo yesangano reTraditional Medical Practitioners Council of Zimbabwe (TMPCZ) vanoti, kune mishonga yaishandiwa kubatsira vairwara nechirwere cheCOVID-19.

“Munguva yeCOVID-19, taibatsira vanhu neZumbani, uyezve kune imwe miti yaishandiswa seunonzi muvhikisi  washandiswa nguva yeCOVID-19. Muvhikisi uyo unonhuwa sevhikisi waishandiswa seputugadzike. Tine umwe muti unonyanyozivikanwa zvikuru unonzi mutiki uyo unoshandiswa kubatsira zvakaita sezvirwere zvechikosoro kana chirwere cherurindi.  Muti uyu waishandiswa futi,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti munguva yakatsvirirdza chirwere cheCOVID-19, mishonga yechivanhu yakashandiswa  zvakapfurikidza netsvakurudzo dzaiitwa nevanhu kuti vawane rubatsiro.

Zvakadaro, kune mamwe mayunivhesiti akadai seMidlands State University neUniversity of Zimbabwe ane vadzidzi avo vari kuita ongororo yekunzvera maringe nekushanda kweZumbani pakurwisa Covid-19 nevzimwe zvirwere.

 

To advertise on this site or to offer any other forms of sponsorship, you can call or WhatsApp on +263772908937 or email marketing@envirozim.com